MATADZA HERE KUTIURAYIRA MUNHU ASHUNGURUDZA ZIMBABWE???
Hanzi vamwe mai vechikuru vakati vangopinda mukombi vagara kubva vatanga kutaura vega.
"Varume vemuZimbabwe ndaifunga kuti varume, hapana nezviripo zvese, chokwadi vatadza here kungotiurayira iye munhu one adai kutiomesera upenyu hwedu chokwadi tingatambura kudai sepasina varume vanogona kungomuuraya."
Mukombi umu maiva nemupurisa ndokubva avati,"Amai zvamurikutaura zvinosungisa." Zvikanzi "Kana urisewe mupurisa ibva watonyarara zvako nekuti pfuti munadzo saka chinonetsa kuuraya munhu mumwe chete chaiye chii ipapo? Ndimi varume nhando imi! Tibvire kungogonera isu madzimai, zvino ini ndiri nani ndatombokuudzai zvamuri kutadza kuita."
Mupurisa nekushatirwa akabva ati kuna Kombi Driver, "Hande paPolice Station namai ava." Ivo ndokuti, "Asi wopenga nhai mwanangu? Izvozvo zvamatadza ndizvo zvaungade kuti ndinoudzawo vamwe vako pakamba. Kowadii kungonovaudza wega kuda vangaona zvokuita tikabuda munhamo iyi."
Kombi ichisvika pakamba mupurisa akabva angoti, "Amai vaendwe navo kwaOfficer-in-charge." Akabva atanga kutaura zvakangazvataurwa namai ava. Officer- in-charge uye akabva ati, "Amai zviri kutaurwa ichokwadi here?" Ivo vakati, "Mwanangu tanzwa chokwadi konewo mukuru wepano watadzawo kumuurayawo here munhu uyu?"
Zvikanzi, "Amai munechokwadi nezvamurikutaura here and huye munhu wamuri kutaura nezvake munomuziva here?" Zvikanzi, "Ndingatadza kuziva nyoka yakadaro kosaka wati ndinopenga here ini?" Zvikanzi,"Amai munofira mujere nezvamurikutaura izvi." Zvikanzi:"Mujere?? Ndosaka ndamboudza umwe wako kuti muri varume nhando nekuti kana uchiti munhu anetsa vanhu Zimbabwe ino yese ngaarambe ari mupenyu muchitadza kumuuraya wavakuti ndinofira mujere?"
Zvikanzi:"Amai ndava kudzokorora kechipiri... Ndati munhu wamurikutaura munomuziva here?"
Zvikanzi namai vaya: "Eheka ndinomuziva - ndinorevaka iye TONY BLAIR!!!!"

No comments:
Post a Comment